Jump to content

Wt/sn/Chiwedzerwo:Mipanda ye mazita

From Wikimedia Incubator
< Wt | sn
Wt > sn > Chiwedzerwo:Mipanda ye mazita

Chiwedzerwo (indekisi) chino ndeche mipanda ye mabizo kana mazita inowanikwa mumitauro ye Chivanhu.

Tafura ye mipanda

[edit | edit source]
chp. Mupanda mashoko Sungawirirano muenzaniso:
Mipanda iyi inoringa zve: vanhu, husamunhu, kana zvechiremera.
1 M-, Mu- munhu u-, a- munhu uno/anotaura.
mwana mwana uno/anochema.
2 Va- vanhu va- vanhu vanotaura.
vana vana vanochema.
Mipanda iyi chikamu che ya 1 na 2, asi hayina mu- paushoma.
1a Ø baba va- baba varikushanda.
amai amai varikubika.
2a Va: Vana-, Ana- vanababa/anababa va- (v)anababa varikushanda.
vanamai/anamai (v)anamai varikubika.
Mipanda yechi3 ne 4 inoringa zve: (i) mazita emiti ne madzinde nezvikamu zvazvo; (ii) nhengo dzemwiri dzirefu; (iii) nzvimbo nezvinhu zvaka gadzirwa kana kusikwa dzemushando ne mhotedzero; (iv) mashoko ari-abstract; (v) mashoko anotanga nenzvinzvovera: mw-mi.
3 M-, Mu- i muti u-, w- muti watema/urikutemwa.
muranjisi
ii mupimbiri
muswe
iii musika musika urikure/wavekure.
mugwagwa
munda
iv muenzaniso muenzaniso urikunyorwa/wanyowa.
mudzimu
v mwaka mwaka urikure/wavekure.
4 Mi- i miti i-, y- miti yatemwa/irikutemwa.
miranjisi
ii mipimbiri
miswe
iii misika
migwagwa
minda
iv mienzaniso
midzimu
v "miaka"/mwaka
Mipanda iyi ndeye zve: (i) zvinhu zvakagadzirwa, zvinhu kana kunhu kwakasikwa kana kuvakwa ne zvinhu zviri abstract/concrete; (ii) nhengo dzemwiri; (iii) michero ne zvisikwa; (iv) mabizo ezvisingaravekwi, zvinowanikwa muuwandu basi; (v) huwandu hwevanhu; (vi) zviro zvenhema/rungano; (vii) zviro zveupanganyedzi; (viii) chiremerera chevanhu.
5 Ri- i fafitera ri, r-
bhahari
zita
ii ziso
iii ranjisi
iv mafuta a-
v rushona rw-
vi riscvesha ri-, r-
vii rinopasi
vii. ishe a-, wa-
6 Ma- i mafafitera a-
mabhahari
mazita
ii maziso
iii maranjisi
iv mafuta
v mashona
vi masvcesha
vii maanopasi
viii madzishe
mipanda iyi ndeye zve: (i) mabizo achi-zvi; (ii) nhengo dzemwiri; (iii) mazita emitauro ne tsika; (iv) mashoko anobva pazviito; (v) mashoko anoita zvinhu zvivezvidoko
7 Chi- i chinhu chi, ch-
ii chiuno
iii chishona
iv chidyiso
v chimwana
8 Zvi- i zvinhu zvi-, zv-
ii zviuno
iii zvishona
iv zvidyiso
v zvivana
mipanda iyi ndeye zve: mashoko asingashanduke pauwandu uye asingaraveki., (i) zvinhu zvekugadzirwa, (ii) nzvimbo dzakasikwa kana kuvakwa; (iii) zvinhu zviri abstract-concrete; (iv) zvikafu, michero ne miriwo; (v) mhuka, shiri ne zvipembenene;
9 N i ngoma i-, y-
tsamba
ii nyika
nzira
iii tsaona
nguzvu
iv bota
nyama
mhiripiri
v mombe
shiri
ishwa
10 N i ngoma dzi-, dz-
tsamba
ii pasi
nzira
iii tsaona
nguzvu
iv bota
nyama
mhiripiri
v mombe
shiri
ishwa
mupanda uyu ndewe zve: (i) mazanodzamu asingaraveki uye asina uwandu; (ii) zvinhu zvepanyama zvineuwandu mumimwe mipanda.
11 Ru i rwara ru-, rw-
rudo
ii rwizi/nzizi
rungano/ngano
iii rukuni/huni
rutivi/mativi
mipanda yechi-12 ne 13 ndeye zve: kudzikisa zvinhu kana kuita chinhu chivechidoko.
12 Ka- kasikana ka-, k-
kakomana
13 Tu- tukomana twa-, tw-
tusikana
mupanda wechi-14 ndeye zve: (i) mabizo akagadzirwa kubvira pazvipauro, manominali kana zviito; mamiriro; (ii/14a) mazita enyika
14 U-, Hu- i hunhu hwa-, hw-
ujaha
14a Vu- ii Vukaranga
Vutswana
mupanda uyu ndewe: zviito
15 Ku- kunyora
kuona
mipanda iyi ndeye zve: (16) inoratidza nzvimbo yerudzivo runjee; (17) inoratidza nzvimbo yakanangika; (18) inoratidza nzvimbo
zviwiriranwa zviratidziso
16 Ku- ku, kwa, kwe uku, uko, ukoo, kuye, kunoku, kuno, ikoko, kuyakuya
17 Pa- pa, pe apa, apo, apoo, paye, panapa, pano, ipapo, payapaya
18 Mu- mu, ma, me, mo umu, umo, umoo, muye, munomu, muno, imomo, imomu, muyamuya
mupanda uyu unowanikwa muChikaranga kazhinji, ndewe:
19 Svi svimbudzi
svikomana
mupanda uyu unokudza zvinhu.
20 Zi- zimunhu
zihambautare
21 Ø

Mipanda ye mazita ichitsanagurwa

[edit | edit source]

Mupanda waechi-20

[edit | edit source]

Zvichienderana nekudorongotswa kwemipanda vamwe vanoverenga mipanda yemakumimaviri-neimwe, asi paidi pane mipanda yemakumimaviri. Hapana mupanda wasvetukirwa pakunyora chidzidzo chino, kana pakazove nemumwe mupanda ungawanikwa uchadorongotswa zvimwezvo.