Jump to content

Wt/sn/Chiwedzerwo:Mipanda ye mazita

From Wikimedia Incubator
< Wt‎ | sn
Wt > sn > Chiwedzerwo:Mipanda ye mazita

Chiwedzerwo (indekisi) chino ndeche mipanda ye mabizo kana mazita inowanikwa mumitauro ye Chivanhu.

Tafura ye mipanda[edit | edit source]

Mipanda ye mazita
mupanda Mu- Va-/Wa- Mw- Va-/Wa-
miezaniso Munhu Vanhu, Wanhu Mwana Vana, Wana
Mutana Vatana, Watana Mweni Veni, Weni
Mushona Vashona
Mukaranga Vakaranga
mupanda -, I- Ma-, Madzi- I- Madzi-
mienzaniso mai mamai, madzimai Ishe madzishe
mbuya mambuya, madzimbuya
sekuru masekuru, madzisekuru
mupanda Mu- Mi M-, [wu-] Mi, Mwi-
mienzaniso munda minda mshumo [wushumo] mishumo, mwishumo
muti miti
mushonga mishonga
mupanda Chi- Zvi- Chw- Zvw-
mienzaniso chinhu zvinhu chwaba chwaba zvwaba zvwaba
chedu zvedu chwabaira zvwabaira
chakatichakati zvakatizvakati
chanza zvanza
mupanda I- Dzi-
mienzaniso imba dzimba
mupanda Ri- Ma- Ri- Dzi-/Ma-
mienzaniso (ri)vhudzi mavhudzi rishesha, risvcesha dzishesha, dzisvcesha
(ri)zita mazita ridenga dzidenga, maridenga
(ri)sadza masadza rinyanga marinyanga
ritatu matatu
rina mana
mupanda (Ri) Ba- Map- (Ri-) Da- Mat-
miezaniso (ri)banga mapanga (ri)denga matenga
(ri)benzi mapenzi (ri)debge matebge
(ri)bonga maponga (ri)danga matanga
(ri)bosa maposa (ri)dohwe matohwe
(ri)bungubge mapungubge (ri)dongo matongo
mupanda Ru-/Rw- (Gw-) Ma- Ru-/Rw- Dzi-, Ma-
Mienzaniso ruvoko, rwoko mavoko runyanga dzinyanga, manyanga
ruware maware rumanda dzimanda, manda
rusero masero rukuni huni
ruhana hana
Pakugadzira uwandu unogona kubvisa zvose ru- na dzi-, sengekuti runyanga ndi manyanga asi anogona kuva nyanga basi.
Mupanda Ru- Ndi-, Ma- Ru-/Rw- (Rgw-, Gw-) Nzi-
rurimi ndimi, marimi rwiyo, nziyo
ruramo nduramo, maruramo rwiriko, nziriko
rudzi nduzi, marudzi rwizi, nzizi
Mupanda Vu- Vu- vu-, hu-, u-, wu, (bu-)
mienzaniso vuswa vuswa vunhu, hunhu, unhu, wunhu
vupfu vupfu
vusiku vusiku
vuriri vuriri
Zivai kuti mupanda wa vu- ndiwo zvemupanda wa hu-, wu- na u- mumitauro yeChivanhu yakasiyana. Chivakashure cha Vu- (Wu-, U-) chinoshandiswa zve panotaurwa kana kunyora nyika dzevanhu. Senge Vukaranga, Vurundi, kana Vutswana.
Mupanda (Vu-) Ma- Tsananguro ye mupanda uyu
mienzaniso (vu)bwiro mabwiro Mashoko ari mumupanda uyu akavumbwa sokudai:

vu-, wu-, u-, hu-; bgwiro, bwiro/hwiro = huiro = vuiro = uiro = wiro = bguiro. Pamusoro pezvo ui ndi wi saka bguiro/huiro/bhuiro anova bgwiro/hwiro/bwiro.

(vu)bwato mabgato
mupanda Ku- Ku- (chenzvimbo)
mienzaniso kuvuya kumba
kuenda kudenga
kusunda kuchikoro
mupanda Mu- (chenzvimbo) Pa- (chenzvimbo)
mienzaniso mumba pamba
mukati pakati
mumoyo pamoyo
mupanda Ka- Tu-Twu Svi- Vu-
kambudzi tumbudzi, twumbudzi svinguruve vunguruve
mupanda Zi- Mazi-
zimbwa mazimbwa

Mipanda ye mazita ichitsanagurwa[edit | edit source]

Mupanda wa Mu- /Va-[edit | edit source]

Mupanda uyu ndewemashoko anove ari a mu- paushoma uye va- muuwandu. Zivai kuti mupanda wa va- unogona kuve wa- zvekare kunyanya kumimwe mitauro ye Chivanhu senge Chikorekore kana Chimanyika, pamusoro pezvo mu- anogona kuve mw- zvekare.

Chivakashure: Mu-, Mw-, M-

Chivakashure cheuwandu Va- , Wa-

Mupanda wa [-]/I- na Ma/Madzi-[edit | edit source]

Mupanda uyu ndewe mashoko ari mumupanda weushoma wa i- asi dzimwe nguva i- anobviswa, uye pahuwandu anoshandisirwa Ma uye Madzi-.

Pasina chivakashure, kana pane chivakashure I-

  • moyo
  • muzari

Chivakashure Ma-, Madzi

  • mamoyo, madzimoyo
  • mazari, madzizari