Jump to content

Wq/sn/N'wadhi ra Mavambo

From Wikimedia Incubator
< Wq | sn
Wq > sn > N'wadhi ra Mavambo

N'wadhi ra Mavambo (kana Bhuku ra Mavambo; Genesi) ndiro n'wadhi rokuti remubhaibheri raVaKristu.

Zvidzupuramanzwi

[edit | edit source]

Chitsauko Chokutanga

[edit | edit source]
  • Pakutanga Mwari vakasika denga nenyika.
    • Mavambo 1:1
  • Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu;
    rima rakanga riripo pamusoro peudzamu hwemvura;
    Mweya waMwari wakanga uchigarira pamusoro peudzamuhwo.
    Mwari vakati: Chiedza ivapo, chiedza chikavapo.
    Mwari vakaona chiedza, kuti chakanaka;
    Mwari vakaparadzanisa chiedza nerima.
    • Mavambo 1:2-3

Chitsauko Chipiri

[edit | edit source]
  • Mwari vakaropafadza musi wechinomwe, vakauita musi mutsvene;
    nokuti ndiwo musi wavakazorora kubva pabasa ravo rose,
    ravakanga vasika nokuita ivo Mwari.
    • Mavambo 2:3
  • Jehovha Mwari vakatora munhu, vakamuisa mumunda weIdheni,
    kuti aurime nokuuchengeta.
    Jehovha Mwari vakaraira munhu vachiti,
    “Ungadya hako miti yose yomunda,
    asi muti woruzivo rwe zvakanaka nezvakaipa usaudya;
    nokuti nomusi waunoudya, uchafa zviro kwazvo.”
    • Mavambo 2:15-17
  • Jehovha Mwari vakatizve,
    “Hazvina kunaka kuti umunhu ugare uri wega;
    ndichamuitira mubatsiri akamukwanira.”
    Jehovha Mwari vakavumba nevhu mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga,
    vakadziisa kumunhu kuti aone kuti achadzitumidza mazita api;
    zvipenyu zvose sezvazvakatumidzwa nomunhu, ndiwo akava mazita azvo.
    • Mavambo 2:18-19

Chitsauko Chemakumimashanu

[edit | edit source]
  • Asi imi zvamakarongera mavi pandiri,
    Mwari akarongera hunaku,
    kuitira kuti zvose zviitika sezvazviri nhasi uno,
    kuti ponesa uzhinji hwevanhu hwakawanda.
    • Mavambo 50:20