Wq/sn/Tsumo dze Chishona

From Wikimedia Incubator
< Wq‎ | sn
Wq > sn > Tsumo dze Chishona

Tsumo dze Chishona[edit | edit source]

  1.  Aive madziva ava mazambuko.
  2. Akuruma nzeve ndewako.
  3. Ane benzi ndeane rake, kudzana unopururudza.
  4. Ateya mariva murutsva haatyi kusviba magaro.
  5. Chakafukidza dzimba matenga.
  6. Chaitemura chava kuseva.
  7. Chikuriri chine chimwe.
  8. Chinobhururka chinomhara.
  9. Chirere chigokurerawo.
  10. Chisi hachiyeri musi wacharimwa.
  11. Chisingaperi chinoshura.
  12. Chitsva chiri murutsoka.
  13. Chiri mumusakasaka chinozvinzwira.
  14. Chara chimwe hachitswanyi inda.
  15. Charova sei chando chakwidza hamba mumuti.
  16. Charovedzera charovedzera, gudo rakakwira mawere kwasviba.
  17. Chembere mukadzi hazvienzani nekurara mugota.
  18. Chidamoyo hamba yakada makwati.
  19. Chinono chinengwe, bere rakadya richifamba.
  20. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara.
  21. Chiri mumoyo chiri muninga.
  22. Chiri pamuchena chiri pamutenure.
  23. Chitaurirwa hunyimwa mbare dzekumusana.
  24. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi.
  25. Gudo guru peta muswe kuti vaduku vakutye.
  26. Guyu kutsvuka kutsvuka zvaro asi mukati rine masvosve.
  27. Igaroziva kuti mhanza yembudzi iri mumabvi.
  28. Imbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatovo.
  29. Kakara kununa hudya kamwe.
  30. Kamoto kamberevere kakapisa matanda mberi.
  31. Kandiro kanoenda kunobva kamwe.
  32. Kuipa kuipa zvaro bveni, asi haridyi chakafa choga.
  33. Kukurukura hunge wapotswa.
  34. Kure kwegava ndiko kusina mutsubvu.
  35. Kure kwemeso nzeve dzinodya.
  36. Kuudza mwana hupedzisira.
  37. Kuziva ambuya huudzwa.
  38. Kuwanda kwakanaka, kwakaipira kupedza muto.
  39. Kuwanda huuya.
  40. Kuzeza chati kwati hunge uine katurike.
  41. Mandikurumidze akazvara mandinonoke.
  42. Manga chena yakaparira parere nhema.
  43. Matakadya kare haanyaradzi mwana.
  44. Mbeva zhinji hadzina mashe.
  45. Mbudzi kuzvarira pavanhu kuda kutandirwa imbwa.
  46. Mazvokuda mavanga enyora.
  47. Mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu.
  48. Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye.
  49. Murombo haarovi chinenguwo.
  50. Muroyi royera kure vekwako vagokureverera.
  51. Mwana wamambo muranda kumwe.
  52. Mwana kuberekwa vaviri, mugota hamuchemi kacheche.
  53. Mviromviro yemhanza mapfeka.
  54. Mombe yekuronzerwa ndeyekukama wakarinde nzira.
  55. Makadzi munaku kusaba anoroya.
  56. Mukuru mukuru hanga haigari pfunde.
  57. Mwana asingachemi anofira mumbereko.
  58. Takabva neko kumhunga hakuna ipwa.
  59. Nzenza mumvuri, asvika anovanda zuva.
  60. Nzombe huru yakabva mukurerwa.
  61. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo.
  62. Pfavira ngoma, husiku hurefu.
  63. Rine manyanga hariputirwe mushushunje.
  64. Ramba kuudzwa akaonekwa nembonje pahuma.
  65. Rega zvipore akabva mukutsva.
  66. Regai dzive shiri, mazai haana muto.
  67. Rudo ibofu
  68. Rume rimwe harikombi churu.
  69. Seka urema wafa.
  70. Simbi inorohwa ichapisa.
  71. Varume kutsva kwendebvu vanodzimurana.
  72. Vasikana kudada kudada zvenyu, tichaonana magaro pakuyambuka.
  73. Kukurumidza kumedza, kutsenga uchada.
  74. Yadeuka yadeuka mvura yemuguchu haidyorerwi.
  75. Yatsika dope yanwa.
  76. Zano ndega akasiya jira mumasese.
  77. Zizi harina nyanga.
  78. Zviuya hazviwanani.
  79. Zviro zviyedzwa chembere yekwaChivi yakabika mabwe ikanwa muto.
  80. Zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi.
  81. Zvikoni zvikoni mimba haibvi negosoro.