Wq/sn/Simon Chimbetu

From Wikimedia Incubator
< Wq‎ | sn
Wq > sn > Simon Chimbetu

Zvidzupuramanzwi[edit | edit source]

Inga wakataura wani kuti munhamo tiri tese saka wapanduka sei?

  • kubva parwiyo "Simba Nederere" (2008)

Toubvunza mubvunzo uya kumatenga
Isu toubvunza chete toubvunza
Kuti sei Mwari muchitipa nguva yakaoma?
Koo hama dzedu dzinotisiya dziripiko?
Imi munovaisa nyika ipi iri kure?
Uko kwavanogara vasingagone kutaura nesu
Uko kwavanosvika vasingagone kunyora tsamba
Kuti hama dzangu ndakafamba zvakanaka
Nyika yandiri ndigere hangu zvakanaka
Asi rokwe rangu remavara chengetai

  • kubva parwiyo "Samatenga" (2007)