Wq/sn/Jah Prayzah

From Wikimedia Incubator
< Wq‎ | sn
Wq > sn > Jah Prayzah

Mukudzei Mukombe (akazvarwa 4 Chikunguru 1987), anozivikanwa nezita rake reusevenzi repasteji rekuti Jah Prayzah, anosevenza muhushangazhi wemimhanzi kuZimbabwe uye mtungamiri we bhendi rinonzi Third Generation.

Zvidzupuramanzwi[edit | edit source]

  • Handingarire seshiri vakomana,
    Koo inga ndiri nhondo inofamba
  • Kuchiva rumwe rudzi hurema mwana wemutema,
    Ucharamba uri mutema.
    • kubva parwiyo "Kwayedza" (2020)
  • Vachakutsondoresa parukangarabwe,
    Vachakuvengera cheziya, vachakugumbura
    Pauchaunganidza pfuma, vachati unoroya,
    Mwanangu uchaiona nhamo yacho ichauya.
  • Mwanangu teerera, handina kukusarudza ndini ndakubereka,
    Pamwe pacho toudzana,
    Kuti mvura ikauya, mhepo ikauya usapinda mubako, mune shato unorumwa
    • kubva parwiyo "Hokoyo" (2020)
  • Dzirere pwere dzirere, dzirerewo dzichakurera wo
    • kubva parwiyo "Dzirere" (2020)
  • Nekuti unoda kundibvisa (chiremerera),
    Ndakagara pandakagadzikwa (chiremerera),
    Handina kubvuta ndakasarudzwa (chiremerera),
    Ndine zodzo, ndine mhondoro (chiremerera),
    Ndikakumura nyembe ndakamura..,
    • kubva parwiyo "Chiremerera" (2023)
  • Mhanya nemwenje kunge ruponeso,
    Wabata moyo wangu natsa, natsa
    Ndipe mutetsu ndimwe mvura
    Hukama hwacho igasva
    • kubva parwiyo "Sarure" (2023)
  • Shanje dzandinadzo dzinokunda ngoma kurira.
    • kubva parwiyo "Wandibhowa" (2023)