Wq/sn/Hope Masike

From Wikimedia Incubator
< Wq‎ | sn
Wq > sn > Hope Masike

Ruvimbo Hope Masike, uyo anozivikanwa saHope Masike (akazvarwa Gunyana 9, 1984) muyimbi uye mudzani wekuZimbabwe. Anozivikanwa nezita rekuti “The Princess of Mbira” uye mhanzi yake ine midzi yawo mutsika dzechivanhu nedzechimanjemanje dzemuAfurika. Hope ndiye zvakare muyimbi weMonoswezi. Akatanga zvidzidzo zveFine Art pa Harare Politekiniki.

Zvidzupuramanzwi[edit | edit source]

"Patinenge tichikurudzira hunhu hwakadai sekuremekedza huenzaniso uye kucherechedzwa kuzere kwekodzero dzevanhu vose, ndeipi nzira iri nani yekuparadzira dama inodarika mutauro uyu wepasirose - mimhanzi."

Vakadzi vese vepasirose, ngatijairei kugutsikana nekusikwa kwatakaitwa na Mwari, nerudado uye ruzha zvakasimba kuitira tisimudzira runako rwedu zvakanaka chose kunze kwekunge kuri kukuvadza hutano hwedu, kungave mumwiri kana mupfungwa."

Kumunhukadzi weganda dema, ganda rako ritema rakanaka sezvariri. Iva chako pamene, norunako. Wakasikwa nezvinoshamisira.

“Ndinovimba kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvichanyora nekutaura nyaya dzedu, isu vaimbi, vananyanduri, vezvenhoroondo, tose – tinofanira kutora nyaya yechokwadi yeZimbabwe tozviudza pasi rose.

  • [4]
    • we-rise-by-lifting-others-outstanding-women-of-zimbabwe-in-pictures

“Nhetembo idzi ndakadziita ndiine pfungwa dzakavhurika kuti ndiwane izwi rinowanzonyarara/rikanyarara. Pane zvatisingambotaura. Pane zvatisingazive mataurirwo azvo. Pane zvisina kumbobvira zvaitika. zvanzi."